Revelation of John 13

Chikara chakabva muGungwa

1Uye shato yakamira pamahombekombe egungwa. Uye ndakaona chikara chichibuda mugungwa. Chakanga chine nyanga gumi nemisoro minomwe, nekorona gumi panyanga dzacho, uye pamusoro mumwe nomumwe paiva nezita rokumhura. 2Chikara chandakaona chakanga chakaita sembada, asi chakanga china makumbo akaita seebere uye muromo wakaita soweshumba. Shato yakapa chikara simba rayo nechigaro chayo choushe nesimba rayo guru. 3Mumwe wemisoro yechikara wakaita sowakuvadzwa kusvikira parufu, asi vanga raifanira kuchiuraya rakanga rapora. Nyika yose yakashamiswa uye ikatevera chikara. 4Vanhu vakanamata shato nokuti yakanga yapa simba kuchikara, uye vakanamatawo chikara vachiti, “Ndianiko akaita sechikara? Ndianiko angarwa nacho?”

5Chikara chakapiwa muromo wokutaura mashoko okuzvikudza neokumhura nokushandisa simba racho kwemwedzi makumi mana nemiviri. 6Chakashamisa muromo wacho kuti chimhure Mwari, uye kuti chituke zita rake nenzvimbo yake yokugara, neyaavo vanogara kudenga. 7Chakapiwa simba kuti chirwe navatsvene uye kuti chivakunde. Uye chakapiwa simba pamusoro pamarudzi ose, navanhu vose, nendimi dzose uye nendudzi dzose. 8Vose vanogara panyika vachanamata chikara, vose vana mazita asina kunyorwa mubhuku roupenyu reGwayana rakabayiwa kubva pakusikwa kwenyika.

9Ane nzeve, ngaanzwe.

10Kana munhu achifanira kupinda muutapwa,
muutapwa achapinda hake.
Kana munhu achifanira kuurayiwa nomunondo,
nomunondo achaurayiwa hake.
Apa ndipo panodikanwa kutsungirira nokutendeka kwavatsvene.

Chikara chakabva muNyika

11Ipapo ndakaona chimwe chikara, chichibva munyika. Chakanga chine nyanga mbiri segwayana, asi chaitaura seshato. 12Chakashandisa simba rose rechikara chokutanga pachinzvimbo chacho, uye chakaita kuti nyika navageremo vanamate chikara chokutanga, chiya chakanga chapora vanga racho raifanira kuchiuraya. 13Uye chakaita zviratidzo nezvishamiso zvikuru, kunyange kuita kuti moto uburuke kubva kudenga uchiuya panyika vanhu vachinyatsoona. 14Nokuda kwesimba rachakapiwa kuti chiite pachinzvimbo chechikara chokutanga, chakanyengera vanogara panyika. Chakavarayira kuti vamise chifananidzo chokuremekedza chikara chiya chakanga chakuvadzwa nomunondo asi chikararama. 15Chakapiwa simba rokupa upenyu kuchifananidzo chechikara chokutanga, kuti chigone kutaura uye chigoita kuti vose vanoramba kunamata chifananidzo vaurayiwe. 16Chakamanikidza munhu wose, muduku nomukuru, mupfumi nomurombo, akasununguka nomutapwa, kuti vapiwe mucherechedzo paruoko rwavo rworudyi kana pahuma yavo, 17kuitira kuti kurege kuva nomunhu angagona kutenga kana kutengesa kunze kwokunge ano mucherechedzo, unova ndiwo zita rechikara kana chiverengo chezita racho.

18Izvi zvinoda uchenjeri. Kana pano munhu anoziva, ngaaverenge chiverengo chechikara, nokuti ndicho chiverengo chomunhu. Chiverengo chacho ndichochi: Mazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu.

Copyright information for SnaBDSC